Philippians 4

1Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa!

Kurudziro

2Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She. 3Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka, musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremenzi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu.

4Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai! 5Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ava pedyo. 6Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga. 7Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.

8Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai. 9Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.

Anovonga Zvipo Zvavo

10Ndinofara zvikuru muna She kuti pakupedzisira makavandudza hanya yenyu nokuda kwangu. Zvirokwazvo, makanga mune hanya henyu, asi makanga musina mukana wokuti muzviratidze. 11Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo. 12Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa. 13Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.

14Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu. 15Pamusoro paizvozvo, sezvamunoziva imi vaFiripi, pamazuva enyu okutanga kundiziva nevhangeri, pandakasimuka kubva kuMasedhonia, hakuna kereke yakagovana neni panyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu chete; 16nokuti kunyange pandakanga ndiri muTesaronika, makanditumira rubatsirozve uye mukapamha pandainge ndiri pakushayiwa. 17Handirevi kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka izvo zvamungazopfumiswa nazvo. 18Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhitasi zvipo zvamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuhwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari. 19Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.

20Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

Mashoko Okupedzisira

21Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu.

Hama dzandinadzo dzinokukwazisai.

22Vatsvene vose vanokukwazisai, kunyanya avo veimba yaKesari.

23Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.

Copyright information for SnaBDSC